Dhaga Chii?
Ma website nema web application akawanda anogadzirwa ne language inonzi HTML.
Kuzochinja mamiriro akaita akaita ma website aya nema web application aya, panoshandisa inonzi CSS. Ngatimbotarisa zvakaita HTML ne CSS iyi.
<div style="background-color: red; height: 50vw; width: 50vw"></div>
chii chikuitika apa
- Tagadzira chinhu chinonzi
divneHTML.Diviyi ingoriboxrinozobuda pa website. - Kana uchinge wagadzira
diviyi, inotanga yakareba size 0, yakafara size 0, uye isinacolor, saka inenge isingaoneke. CSSndiyo yazoshandiswa apastyle="background-color: red; height: 50px; width: 50px"kupadiviyi color, size yekureba(height), ne size yekufara(width).
HTML ne CSS zvinoshanda zvakanaka kugadzira ma website, asi dambudziko hombe nderekuti kana uchida kugadzira website pa screen diki rakaita se phone, zvinonetsa uye zvinotora nguva yakawanda kunyora zvinhu izvi zvakawanda zve HTML ne CSS kuti pabude chinhu chakaita se box pa website.
Ukatarisa, tanyora div wacho ka 2, izvi zvinoitwa nekuti div wekutanga ndewekuvhura, div mumwe wacho ndewekuvhara.
.png)
Apa ndipo panopinda Dhaga. Dhaga i language inoshanda kuumba ma website kana ma web application pa phone.
Kuti ugadzire box rakafanana neragadzirwa pamusoro ne HTML + CSS, unoita izvi
box c-red kr-5 kf-5:;Izvi zvinoreva kuti gadzira box rine zvinhu izvi:
- color ye red ~
c-red - kureba size 5 ~
kr-5 - kufara size 5 ~
kf-5 :na;ndiko kuvhura nekuvhara box. Apa box redu harina chinhu, asi unozoona kumberi mashandisirwo ebox
Sezvaukuona, unonyora zvinhu zvishoma ne Dhaga pane zvaunonyora kana uchishandisa HTML ne CSS.
ShonaScript + Dhaga#
Kazhinji munhu akaenda pa website, anogona kubaya ma bhatani ekuita zvakasiyana siyana zvakaita sekutumira message.
Kana website yakagadzirwa ne HTML ne CSS, inozo shandisawo imwe language inonzi JavaScript kuti mabhatani aya ashande.
Isusu kutiwo mabhatani edu ashande nezvimwewo zvakawanda wanda, tichashandisa language yedu, ShonaScript.
Tave kuda kutarisa kuti zvii zvimwe zvaunogona kuita ne Dhaga