Mhinduro
Izvi zvinoshanda mu VS Code kana kuti mu Dhaga
Kana ukushandisa application ye ShonaScript, jamba topic iyi, unozoiona ku
Unogona kuda kunyora code inoita kuti munhu apindure mu terminal, sokuti unogona kuda kuti munhu anyore zita rake mu terminal, iwewe wozotora zita iroro oita zvaunoda naro zvakaita seku mhoresa munhu iyeye. Tarisa pazasi apa, uone kuti izvi zvinotwa sei:
Kuita izvi, tinoshandisa zvinhu 2:
teerera mhinduro _tora mhinduro _ {

Chii chikuitika apa?🤯
Tsananguro
Line 1
teerera mhinduro zitaTiri kuudza computer kuti iteerere zvichanyorwa mu terminal. Kana yateerera zvichanyorwa, ichabva yagadzira variable inonzi zita. zita apa ndizvo zvese zvichanyorwa mu terminal.
Kubva pa line 3 kuzvika pa line 5
Apa taakuudza computer kuti tora mhinduro yanyorwa mu terminal ine variable rekuti zita, obva wa nyora kuti "Hesi ", zita
Ita
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
mhinduro: zita: Izvi zvinoreva kuti computer yakamirira iwewe kuti unyore zita rako kana chero rimwe zita raukuda kunyora, mobva wabaya enter.
Ukaita izvi, uchaona mu terminal makanzi:
Ukaita izvi, ukanyora muterminal zita racho, unofana kuona mu terminal makanzi
Hesi (zita rawanyora iwewe)Waakushanda kuzvitupa zvekare#
Takambokupa basa rekuudza vanhu vauya kuzotora zvitupa kuti vaende ku Office kunotora chitupa kana vaine makore 16 zvienda mberi, kana kuti vaende kumba kana vaine makore 15 zvichidzika mutopic ye enzaniso. Patanyora code yezvitupa, takagadzira variable inonzi makoreEmunhu tikabva taipa makore acho iri nhamba. Kana wakanganwa, tarisa pazasi apa code yacho yese yatakanyora

.png)
Chiita uchishandisa mhinduro
Apa taakuda kunyora code iyi zvekare, asi ikozvino pane kuti ugadzire variable yekuti makoreEmunhu sezvawakaita pa enzaniso, uchagadzira variable iyoyo uchishandisa teerera mhinduro seizvi:
teerera mhinduro makoreEMunhucomputer ichamirira kuti makore emunhu anyorwe mu terminal, iwewe wobva watora mhinduro iyoyo ochishandisa code iri kubva paline 4 kusvika pa line 8 mu picture iri pamusoro apo. Kana wapedza, code yako inofana kuita seizvi:

Ita
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
mhinduro: makoreEMunhu: Izvi zvinoreva kuti computer yakamirira iwewe kuti unyore makoreEmunhu. Saka nyora kuti nhamba yemakore acho, wobva wabaya enter.
Ukanyora nhamba iri pasi pa 16 sokuti 12, muterminal munofana kunyora kuti:
Uchiri mudiki, unozodzoka waane makore 16Asi ukanyorawo nhamba iri pamusoro pa 16 sokuti 21, muterminal munofana kunyorwa kuti:
Enda ku Office kunotora chitupa