Kana, Zvimwe
Not revised yet
Kana/Zvimwe chii?#
Pane dzimwe nguva dzekuti iwewe unogona kuda kuudza computer kuti itarise uye ishandise chidimbu che code mushure mekunge kana chimwe chinhu chiri chokwadi, ndopanoshanda kana. Kana chinhu ichocho chisiri chokwadi, unenge uchiudza kuudza computer kuti ishandise imwe code isiri muma brackets a kana. Code iyoyo inozoshandiswa inoiswa muma brackets a zvimwe
Kuti ugonzwisisa zvatiri kutaura pano, tichashandisa zvinhu izvi:
zvatichashandisa na Kana/Zvimwe
- ma
variable enzanisonyora()
Kana usina kunzwisisa kuti ma variables ne enzaniso chii, unokurudzirwa kuverenga ma topic iwayo zvekare, uyezve unogona kubvunza mu group re whatsapp kuti ubatsirike
Mashandisirwo a Kana na Zvimwe#
Unoshanda kuzvitupa#
Wapihwa basa kuzvitupa (National IDs)
Ngatimboti iwewe unoshanda kuzvitupa mu Zimbabwe. Mu Zimbabwe, munhu anobvumidzwa kutora chitupa kana achinge asvitsa makore 16. Ngatomboti iwewe basa rako nderekubvunza makore emunhu auya kuzotora chitupa. Kana munhu akati ane makore 16 zvichienda mberi, uchamuudza kuti aende ku office kunotora chitupa, zvimwe uchamuudza kuti anozodzoka kana aane makore 16.
Iwewe semunhu aakugona kushandisa ShonaScript, ukuda kuita kuti munhu auya kuzotora chitupa audzwe zvekuita ne computer. Saka uchanyora code inoita izvi uchiteedzera masteps ari pazasi apa.
Ronga
Step 1 : Kugadzira ma variables#
Tiri kuda kuzoenzanisa zvinhu 2 izvi:
- makore anobvumidzwa kuti munhu atore chitupa mu Zimbabwe
- makore emunhu auya kuzotora chitupa
Saka zvawaona kuti tichada kuzoshandisa enzaniso, zvaakureva kuti tikufana kugadzira ma variables 2 aya:
makoreAnobvumidzwa
- Ndiyo
variableyemakore anobvumidzwa kuti munhu atore chitupa (16 years)
makoreEMunhu
- Ndiyo
variableyemakore e munhu auya kuzotora chitupa. Pakutanga apa ngatimboti makore emunhu auya kuzotora chitupa nhasi ane makore 15
Zvatapedza kuronga pa step 1, chinyora code yacho seizvi:
Ita
- Pa
line 1, nyora kuti
makoreAnobvumidzwa = 16- Pa
line 2, nyora kuti
makoreEMunhu = 15se izvi:

Ma nhamba ariku left ayo ndiwo ma nhamba emaline aunoona mu VS Code
Usanyore se izvi
Usagadzire variable yako uchiti:
makoreAnobvumidzwa = 16 years
Izvi hazviite nekuti ukadzokora kunoverenga nezve ma variables, uchaona kuti computer ichatarisa ku right side kwe equal sign (=) yobva yaona kuina 16 years. Zvichaitika ndeizvi:
16 yearshaasi muma quotes, saka haasimashoko.16 yearshaisinhambanekuti pane16nayears16 yearsachaonekwa kungevariable, computer ichakuudza kuti manyorero awaitavariableiyoyo haasiriwo
Iwewe wanga ukuda kuenzanisa makore, saka makore i nhamba, zvichireva kuti paunogadzira ma variable ako, unofana kuisa nhamba ku right side kwe equal sign.
Step 2: Kushandisa enzaniso na kana na zvimwe#
Zvekuita
- Pa
line 4, nyora kuti:
kana makoreEMunhu iridiki pane makoreAnobvumidzwa {- pa
line 5, nyora kuti:
nyora("Uchiri mudiki, unozodzoka waane makore 16")- pa
line 6, nyora kuti:
} zvimwe {- pa
line 7, nyora kuti:
nyora("Enda ku Office kunotora chitupa")
- pa
line 8, nyora kuti:
}se izvi:

.png)
Tsananguro
Kana enzaniso iyo iri chokwadi, tikuda kuti computer ishandise code iri muma curly brackets {} ekutanga. Asi kana enzaniso isiri chokwadi tikuda kuti computer ishandise code iri muma curly bracket echipiri anoteera zvimwe.
Tatyora Shona here?
Computer inonzwisisa kuti makoreEmunhu na makoreAnobvumidzwa ma variables. Saka computer ichaverenga ichiti
kana variable inonzi makoreEMunhu iridiki pane variable inonzi makoreAnobvumidzwa
Kana wapedza kunyora code yako, chiona kuti mu terminal munonyorwa kuti chii.
Zvekare kuti unoita izvi kana uchida kuti code yako isande
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora code iri mupicture iri pamusoro apa
- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shona, nyoracodeiri mu picture - mu
terminalnyora kutinode shona.js, wobayaenter - mu
terminalzvekare, nyora kutinode index.js, wobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanyorwa kuti:
Uchiri mudiki unozodzoka waane makore 16Zvechokwadiwo makoreEMunhu anga ari 15 zvichireva kuti haasi aakukwanisa kutora chitupa.
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- chinja
makoreEMunhukuti aite 18 se izvi:
makoreEMunhu = 18- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Chiisa makore akawanda kudarika 16
- mu
index.shona, uchinje makoreEMunhu kuti aite 18 se izvi:
makoreEMunhu = 18- mu
terminalnyora kutinode shona.js, wobayaenter - mu
terminalzvekare, nyora kutinode index.js, wobayaenter
Ikozvino unofana kuona mu application kana kuti mu terminal makanzi:
Enda ku Office kunotora chitupa