Mashoko
Mashoko chii?#
Mashoko zvinhu zvese zvakaiswa mu ma quotes "" sokuti:
"Inini ndinonzi Panashe""Ndafara nekukuziva"
"2021" i nhamba here kana mashoko?
.png)
"2021" aiswa muma quotes saka mashoko haisi nhamba.
2021 inhamba, "2021" mashoko.
Izvi zvakakosha kuziva pauchazoverenga nezve topic ye Maths kumberi uku.
Kutsemura Mashoko#
Kana uine mutsara wakanzi
"Inini ndinonzi Panashe"Unogona kutsemura mashoko obva wagadzira list uchishandisa tsemuraMashoko() seizvi
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora kuti:
mustara = "Inini ndinonzi Panashe"listReMashoko = mutsara.tsemuraMashoko()nyora(listReMashoko)- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu file rakanzi
index.shona, nyora kuti:
mustara = "Inini ndinonzi Panashe"listReMashoko = mutsara.tsemuraMashoko()nyora(listReMashoko)- mu
terminalnyora kutinode shona.js, wobayaenter - mu
terminalzvekare, nyora kutinode index.js, wobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanzi
["Inini", "ndinonzi", "Panashe"]Izvi zvakanaka kuziva nekuti zvichazokubatsira kumberi.
Kutsemura Mavara mumashoko#
Unogona kutsemura mavara (letters) ari mumashoko uchishandisa tsemuraMavara()
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora kuti:
mustara = "Inini ndinonzi Panashe"listReMashoko = mutsara.tsemuraMavara()nyora(listReMavara)- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu file rakanzi
index.shona, nyora kuti:
zita = "Panashe"listReMavara = zita.tsemuraMavara()nyora(listReMavara)- mu
terminalnyora kutinode shona.js, wobayaenter - mu
terminalzvekare, nyora kutinode index.js, wobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanzi:
["P","a","n","a","s","h","e"]