Ma Functions
Ma function chii?#
Ma functions i code yaunogadzira kana uchida kuzoituma kuti basa kumberi. Nemamwe mashoko, tiri kuti function i basa. Ngatimboti iwewe ukuda kugadzira basa rino mhoresa munhu. Rinogadzirwa se izvi:

Chii chikuitika apa?
Tsananguro
Kubva pana line 1, line 2, na line 3, tagadzira basa rinonzi mhoresaMunhu.
- Zita re
basarinofana kunyorwa sekunge uri urikugadziravariable. - Pamberi pezita re
basapanoiswa ma brackets(), muma brackets imomo munogona kuiswa mavariablekana kuti munogona kusaiswa chinhu, sezvaukuona pacodeiyi.
Pa line 5:
tangaBasa.mhoresaMunhu()Apa tiri kutuma computer kuita basa ratagadzira rinonzi mhoresaMunhu().Ma brackets () haasiiwe.
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi, unofana kuona mu terminal makanzi
HesiNgatimbobvisa line 5 rakanzi tangaBasa.mhoresaMunhu()
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- dzima
line 5rekutitangaBasa.mhoresaMunhu() - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
mu
index.shonadzimaline 5rekutitangaBasa.mhoresaMunhu()mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi, mu terminal hamuna chinonyorwa.
Izvi zvinoitika nekuti wagadzira basa rekumhoresa munhu, asi hauna kuzoudza computer kuti itanga basa racho, saka basa hariitwe kana risina kutangwa na tangaBasa.mhoresaMunhu()
Basa ne ma variable#
Unogona kugadzira basa rinotora variable inozoshandiswa ne basa racho kana razotanga. Ngatomboti iwewe ukuda kugadzira basa rinomhoresa munhu asi ukuda kuzopa basa zita remunhu wekumhoresa. Unoita seizvi:

Chii chikuitika apa?
Tsananguro
Apa ukugadzira basa rinonzi mhoresaMunhu, asi ukuudza computer kuti kana basa iri rave kutangwa, rinofana kupihwa variable inonzi zita ichazoshandiswa na nyora("Hesi ", zita).
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi, unofana kuona mu terminal kuti
Hesi Panashedanger
Ukada kuenda kutanga basa usina kuisa variable, computer ichakuudza kuti
paita problem, basa rinonzi `mhoresaMunhu` ranga richifana kupihwa variable 1 asi iwewe waisa mavariables 0.
Basa re Maths#
Tikuda kugadzira basa rinosanganisa ma nhamba 2 arinenge rapihwa.

Chii chikuitika apa?
tsananguro
Kubva pa line 1 kuzvika pa line 4
Apa tiri kugadzira basa rinonzi sanganisa, basa iri rinofana kuzopihwa ma variable anonzi nhambaYekutanga na nhambaYechipiri anofana kunge ari manhamba nekuti haukwanise kusanganise zvisiri manhamba
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi unofana kuona mu terminal makanzi
43Unogona kuchinja ma nhamba oona kuti chii chinotika, kana kuchinja + oisa -, kana *, kana /
Basa rinoshanda ne nguva#
Mirira _ seconds#
unogona kugadzira basa rinomirira kuzotanga kana papfuura ma seconds aunenge wataura iwewe

Chii chikuitika apa?
Tsananguro
Tangodzokorora kugadzira basa rinonzi mhoresaMunhu sezvataita pakutanga, asi patagadzira basa iri, taudza computer kuti mirira 3 seconds kuitira kuti kana basa iri razotangwa, rinomirira ma seconds enguva 3 robva razotanga.
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi, uchaona kuti mu terminal munombotanga musina chinhu kwenguva diki, mozonyorwa kuti
HesiHesi anyorwa padarika 3 seconds dze nguva
Dzokorora _ seconds#
Unogona kugadzira basa rinodzokorora rega kuitika kana papera ma seconds enguva aunenge wataura iwewe sokuti:

Chii chikuitika apa?
Tsananguro
Zvekare tagadzira basa reku mhoresaMunhu, asi apa tikuda kuti basa iri rirambe richidzokororwa kana papfuura 1 second ye nguva.
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi, unoona kuti mu terminal mucharamba muchinyorwa Hesi kana papera 1 second yenguva
HesiHesiHesiHesiMu terminal imomo munoramba muchinyorwa kuti Hesi kusvika computer yako yadzima
.png)
Kuti Hesi amire kunyorwa
Mu Application ye ShonaScript
- vhara, ovhura application iyi
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
terminal, bayacontrolnacpanguva imwechete. Izvi zvinofana kuita kuti muterminalmumire kunyorwa kutiHesi
Gadzira basa rinonyora nguva mu terminal#
ronga
basa iri rinofana kunshandisa:
nyora()Nguvadzokorora 1 second
Kana wapedza tarisa
codeyacho pasi kana yako yaramba kushandisa

Kushandisa misaBasa.#
Unogona kushandisa misaBasa.mhoresaMunhu() kuita kuti basa rimire. Ngatimboti tikuda kumhoresa munhu ka 3, tobva tamisa basa. Tinoita sei?
ronga
Tichashandisa zvinhu izvi:
basa dzokororanyorakanaenzanisomisaBasa
Chimboedza kunyora code iyi wega woona kuti zvinoshanda here
Answer

Tsananguro
Tinotarisira kuti waakunzwisisa zvakawanda zviri mucode umu, saka tichangotsanangur zviri kuitika kubva paline 9 kusvika paline 11
variableinonzinhambaYekuverengaicharamba ichiwedzera kubva pana 0 kusvika 3- ikasvika pana 3, yaenzana ne
variableinonzinhambaYekumira, saka paline 10, tikuudzacomputerkutimisaBasarinonzinyoraNguva()