Ma list
Not revised yet
Ma list chii?#
Kana iwewe uchida kuenda kunotenga zvinhu zvakawanda, unogona kunyora zvinhu zvaukuda kunotenga
pa pepa kana mu phone. Kana uchinge waita izvi, tinoti wanyora list rezvaukuda kunotenga.
.png)
Manyorerwo e list#
Computer inoziva kuti wanyora list kana ukanyora ma square brackets se izvi:
["Muvhuro", "Chipiri", "Chitatu"]Tsananguro
Apa ndagadzira list re mazuva 3 kubva pana Muvhuro kusvika pana Chitatu. Mu list randagadzira iri, mune zvinhu 3. zvinhu izvi zvandaisa mu list aya mashoko ane ma quotes akapatsanurwa ne ma comma,.
Zvii zvinobvumidzwa mu list?
Mashokoane ma quotes
- sokuti:
["Muvhuro","Chipiri","Chitatu"]
- Ma
nhamba
- sokuti:
[2020, 2021, 2022]
- Ma
variables
- sokuti:
muvhuro = "Muvhuro"chipiri = "Chipiri"chitatu = "Chitatu"
[muvhuro, chipiri, chitatu]- Ukatarisa apa, ndaisa ma
variablemulist, asi ndatanga ndamagadzira mavariableiwayo semashokozvakanaka. Kana usina kuzvinzwisisa izvi, unofana kudzokera kunoverenga nezve mavariableskumashure kune topic yemavariableskuti zvii zvikuitika.
Mashandisirwo e list#
Kazhinji munhu anogadzira list achida kuzorishandisa. Anogona kuda kudzima zvinhu mulist imomo, kana kuwedzera zvimwe zvinhu. Kuti ugone kuzoshandisa list raunenge wagadzira, unofana kuripa zita.
Unopa list zita kunge uri kugadzira variable.
Ngatimboti list randagadzira kumashure ["Muvhuro", "Chipiri", "Chitatu"] waakuda kuripa zita rekuti mazuva, unoita se izvi
mazuva = ["Muvhuro", "Chipiri", "Chitatu"]Zita Re list
Zita re list rinonyorwa semagadzirirwo evariable. Manyorero anoita ndeaya:
- Zita ngariite shoko rimwe chete rakabatanidzwa
- sokuti
listRangu - usati
list Rangu, nekuti aya mashoko maviri
- Zita ngarisaite
nhamba
- sokuti
2021 = ["Muvhuro", "Chipiri", "Chitatu"]
Muenzaniso: Vanhu mu kombi#
Ngatimboti iwewe uri hwindi akarongeka we kombi, arikukwidza vanhu mukombi asi achinyora list remazita evanhu vapinda mukombi.
Ngatimboti panguva ino mukombi maane vanhu 5, zita re list rako rinonzi vanhuMukombi.
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- pa
line 1, nyora kuti:
vanhuMukombi = ["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]- pa
line 2, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shonapaline 1, nyora kuti:
vanhuMukombi = ["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]- mu
index.shonapaline 2, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Kana ukaita zivi zvakanaka, unofana kuona muterminal makanzi
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]Izvi zvinoitika nekuti wagadzira list re vanhuMukombi zvakanaka, wobva wazoudza computer kuti inyore list iri ichishandisa nyora(vanhuMukombi)
Kuverenga zvinhu zviri mu list#
Kana uchida kuziva kuti mu list rako mune zvinhu zvingani, unoshandisa .zvingani(), .vangani(), kana .mangani(), se izvi:
vanhuMukombi.vangani()
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora
codeiri mu picture iyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
nyora
codeiyi muindex.shonamu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanyorwa nhamba yezvinhu zviri mu vanhuMukombi kuti:
5Tsananguro
Pa Line 2:
- tashandisa
.vangani()panevanhuMukombikuti tiwanenhambayevanhu vari mulistrako - tobva tagadzira variable inonzi
x.- Tagadzira variable iyi nekuti tikuda kuzoinyora mu
terminaltichishandisanyora()
- Tagadzira variable iyi nekuti tikuda kuzoinyora mu
Kuisa zvinhu mu list#
"Ruvarashe" auya kuzopinda mukombi, iwewe sa hwindi waakufana kuisa zita rake mu list rawagadzira kare rinonzi vanhuMukombi. Tarisa pazasi kuti uonoita sei izvi:
Ita: "Ruvarashe" mu list
Mu Application ye ShonaScript
- pa
line 3nyora kuti:
isa "Ruvarashe" mu vanhuMukombiKana kuti unogona kunyora:
- pa
line 3nyora kuti:
vanhuMukombi.isa("Ruvarashe")- pa
line 4, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shonapaline 3nyora kuti:
isa "Ruvarashe" mu vanhuMukombiKana kuti unogona kunyora:
- mu
index.shonapaline 3nyora kuti:
vanhuMukombi.isa("Ruvarashe")- mu
index.shonapaline 4, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanzi:
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai", "Ruvarashe"]Zvichireva kuti taisa zita ra "Ruvarashe" mu list redu zvakanaka, saka mukombi maane vanhu 6

Ukateedzera zviri mu picture iyi, unofana kuona mu terminal makanzi
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]Tsananguro
Izvi zvinoitika nekuti nyora() atumwa ka 2 kunyora mu terminal:
- Atumwa kunyora usati waisa
"Ruvarashe"na"Tatenda"mulist, saka pekutanganyoraanongonyora list riine vanhu 5 chete - Pazotumwa
nyorapaline 5,"Ruvarashe"na"Tatenda"vanga vaiswa mulist, sakanyoraanobva anyora vanhu vese vari 7 kusanganisira"Tatenda"na"Ruvarashe"
Kubvisa zvinhu mu list#
"Kudzai" asvika kwaanga achienda ne kombi, saka aakuburuka. Iwewe sa hwindi akarongeka, chibvisa zita rake kubva mu list rako riye. Tarisa pazasi kuti uone kuti unoita sei
Ita: bvisa "Kudzai" kubva mu list
Mu Application ye ShonaScript
- pa
line 6nyora kuti:
bvisa "Kudzai" mu vanhuMukombiKana kuti unogona kunyora:
- pa
line 6nyora kuti:
vanhuMukombi.bvisa("Kudzai")- pa
line 7, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shonapaline 6nyora kuti:
bvisa "Kudzai" mu vanhuMukombiKana kuti unogona kunyora:
- mu
index.shonapaline 6nyora kuti:
vanhuMukombi.bvisa("Kudzai")- mu
index.shonapaline 7, nyora kuti:
nyora(vanhuMukombi)mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter

Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona muterminal kuti:
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]["Panashe", "Tanaka", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]
Tsananguro
nyora(vanhuMukombi)wepaline 2ndiye anyora kuti:
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]- Apa hatisati taisa vanhu mukombi
nyora(vanhuMukombi)wepaline 5ndiye anyora kuti:
["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]- Apa tanga taisa
"Ruvarashe"na"Tatenda"mu list paline 3naline 4. Taane vanhu 7
nyora(vanhuMukombi)wepaline 7ndiye anyora kuti:
["Panashe", "Tanaka", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]- Apa tanga tabvisa
"Kudzai"kubva mu list paline 6. Tasara ne vanhu 6
Kutora chinhu kubva mu list#
Vanhu vari mukombi yako iyi vakagara pamasiti emukombi. Masiti aya ane ma nhamba. Vanhu vanowanzotangira kuverenga manhamba pana 1, asi computer inotangira pana 0 nguva dzese
Computer inotangira pana zero
Izvi zvakakosha kunzwisisa
Iwewe zvawaane vanhu 6 mukombi, uchati vanhu 6 ava vakagara pa masiti 6. Tarisa list rako iri:
vanhuMukombi = ["Panashe", "Tanaka", "Kupa", "Vimbai","Ruvarashe","Tatenda"]Iwewe unoverenga masiti evanhu seizvi
"Panashe"aripasiti1"Tanaka"aripasiti2"Kupa"aripasiti3"Vmbai"aripasiti4"Ruvarashe"aripasiti5"Tatenda"aripasiti6
Asi computer ichatangira pana zero kwete pana 1 seizvi:
Computer inoverenga masiti evanhu seizvi
"Panashe"aripasitivanhuMukombi[0]- zvichireva kuti aripasiti rechi
zero
- zvichireva kuti aripasiti rechi
"Tanaka"aripasitivanhuMukombi[1]"Kupa"aripasitivanhuMukombi[2]"Vmbai"aripasitivanhuMukombi[3]"Ruvarashe"aripasitivanhuMukombi[4]"Tatenda"aripasitivanhuMukombi[5]Aya ndiwo matarisiro anoitacomputerzvinhu zviri mulist. Unogona kutora chinhu mulistogadziravariablekuti uone kuti chii chinoitika
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- pazasi pe
codeyawambonyora, nyora kuti
munhu = vanhuMukombi[1]nyora(munhu)- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shona, pazasi pecodeyawambonyora, nyora kuti
munhu = vanhuMukombi[1]nyora(munhu)mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, uchaona kuti nyora() wekupedzisira anonyora chinhu chiri panhamba 2 mu list rako, kwete pekutanga, nekuti chinhu chekutanga chiri pa nhamba 0 kwete 1
Kupinda mu list#
Iwewe sa hwindi ane hunhu, ukuda kumhoresa munhu mumwe nemumwe arimukombi yako nezita rake nekuti unoziva mazita avo. Unoita sei? Tichaedza kuita izvi nenzira 2, asi wega uchazviona kuti ndezvipi zvirinani.
Nzira yekutanga: Shandisa nyora pane mu wese ari mulist
Mu Application ye ShonaScript
- dzima maline ese osiya line rekutanga rakanzi:
vanhuMukombi = ["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]chinyora pa line 2 kuti:
nyora("Hesi Panashe")enda pa line 3 onyora kuti:
nyora("Hesi Tanaka")enda pane line riri kutevera uchidzokorora kumhoresa munhu arimo sezvaitwa pa line 2 na line 3, upedzisire pane line 6. Tarisa picture iri pazasi kuti uone maitirwo azvo
nyora("Vimbai")- baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu
index.shonadzima maline ese osiya line rekutanga rakanzi:
vanhuMukombi = ["Panashe", "Tanaka", "Kudzai", "Kupa", "Vimbai"]chinyora pa line 2 kuti:
nyora("Hesi Panashe")enda pa line 3 onyora kuti:
nyora("Hesi Tanaka")enda pane line riri kutevera uchidzokorora kumhoresa munhu arimo sezvaitwa pa line 2 na line 3, upedzisire pane line 6. Tarisa picture iri pazasi kuti uone maitirwo azvo
nyora("Vimbai")
.png)
Kana mu list mako muine vanhu 1000, zvinoreva kuti kana uchida kuvamhoresa vese nenzira iyi, uchanyora ma line 1000 mu index.shona uchimhoresa munhu mumwe ne mumwe.
.png)
Nzira yechipiri: Kupinda mu list
Kunonzi kupinda mu list, zvinoreva kuti tanga pane chinhu chekutanga mu list otuma computer kuita zvauri kuda, oenda pane chechipiri, zvichingodaro kusvika pane chekupedzisira.
Tiri kuda kutuma computer kupinda mulist. Unopinda sei? Chimbotarisa manyorero ataita pazasi:

Chii chikuitika pa line 2?
Tsananguro: Kupinda mu list
Tiri kuti pane ___ mu ___ {. Apa tine 2 ma ___
___wekutanga anomiriravariableinopinda mulist
- variable inopinda mu
listinonyorwa semanyorerwo anoitwa mavariablesakataurwa mu topic yemavariables. Asi apa kutongonyoravariableyekutimunhundiko kutoigadzira kwacho, sakacomputerinonzwisisa kuti apa wagadzira variable ichapinda mulistrako
___wechipiri anomirira zita relistrako raukuda kupinda mariri- Ma curly brackets
{}anoudzacomputerkuti kana yapinda mulist, ishandisecodeirimo muma curly brackets aya
Ko pana Line 3?
Line 3 arimuma curly brackets saka zvinoreva kuti computer ichasandisa code iyi kana ichinge yapinda mu list rako re vanhuMukombi.
nyora("Hesi ", munhu)Apa nyora() apihwa zvekunyora zviri 2: "Hesi " na munhu.
"Hesi "arimuma quotes, zvichireva kutimashokosakacomputerinonzwisisa kuti "Hesi " achanyorwa muterminalsezvaarimunhuhaasi mu ma quotes, zvichireva kuti haasimashoko, uye haisinhamba, sakacomputerinonzwisisa kutimunhuivariable
computerichatsvaga kutivariableinonzimunhuinopinda mulistyambogadzirwa here? Hongu, yagadzirwa paline 3
Kana computer yapinda mulist
Kana computer yapinda mu list rako, inotanga pane chinhu chekutanga mulist rako. Saka apa inotanga pana "Panashe".
Kana computer iri pana "Panashe", variable inonzi munhu ichachinja kuita "Panashe".
munhu = "Panashe"Computer paichashandisa line 3
nyora("Hesi ", munhu)Apa munhu ndi "Panashe", saka mu terminal muchanyorawa kuti
Hesi Panashe.
Kana computer yapedza kushandisa code iri muma curly brackets{} pana "Panashe", ichaenda pane chinhu chiri kutevera mu list rako yoita sezvayaita pana "Panashe". Saka variable munhu ichachinja kuita munhu = "Tanaka" yonyora nyora("Hesi ",munhu), zvichingodaro kusvika yapedza nevanhu vese vari mulist rako
Kutsvaga chinhu mu list#
Unogona kutsvaga chinhu mu list uchishandisa.muna(), kana kuti irimu.
Ngatimboti iwewe ukuda kutsvaga kuti "Kudzai" arimu kombi here pa list rako, unoita seizvi:

Chii chikuitika apa?
Pa line 3 na line 4
arimoHere = vanhuMukombi.muna(munhuAkutsvagwa)arimoHere = munhuAkutsvagwa irimu vanhuMukombiZvikuitika apa zvakangofanana, pa line 2, tagadzira variable ye munhuAkutsvagwa, tobva tati ndi "Kudzai".
Pa line 3, tiri kuudza computer kuti tarisa mu vanhuMukombi kuti muna variable inonzi munhuAkutsvagwa here, munhuAkutsvagwa wacho ndi "Kudzai" agadzirwa pa line 2
Pa line 4, tangoita zvakafanana nepa line 3, asi tikuudza computer kuti tarisa variable inonzi munhuAkutsvagwa kuti irimu vanhuMukombi here. Iwewe unoshandisa line 3 kana line 4, zvichienderana nezvawanzwisisa
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- Nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, unofana kuona mu terminal makanzi:
truetrue zvinoreva kuti chokwadi, zvechokwadiwo "Kudzai" arimo mu vanhuMukombi.
danger
Chimboedza kuchinja pana munhuAkutsvagwa = "Kudzai", woisa munhuAkutsvagwa = "Kudzi". Wodzokora zvawaita pamusoro apa.
Unofana kuona mu terminal makanzi:
falsefalse zvinoreva kuti kunyepa
`
Kujamba chinhu mu list#
Ngatimboti iwewe sa hwindi wakavenga "Kupa", saka ukuda kuti ukasvika pana "Kupa" mu list, orega kumumhoresa, ongonyarara. Unoita sei? Pane nzira 2 dzekuita izvi
Nzira1: Unoshandisa kana, enzaniso, na jamba

Chii chikuitika apa?🤯
Tsananguro
Line 1
Iri ndiro list rako riye revanhu vari mukombi
Line 2
munhuWandakavenga = "Kupa"Apa tagadzira variable inonzi munhuWandakavenga, tobva tati variable iyoyo ndi "Kupa".
Line 3
pane munhu mu vanhuMukombi {Apa tikupinda mu list redu riye sezvatamboita kumashure.
Line 4
kana munhu yakafanana na munhuWandakavenga {Apa tatove mu list kare, saka tine variable inonzi munhu, ichange ichichinja patinenge tichifamba kubva pane chinhu chekutanga mu list kusvika pane chekupedzisira.
Tiri kuudza computer kuti kana variable munhu yachinja kuita munhu = "Kupa", inobva yafanana na munhuWandakavenga. Kana izvi zvichinge zvaitika, computer inofana ku jamba munhu iyeye.
Kujamba apa zvinoreva kuti computer icharega kushandisa code yese ichatevera kumberi kwa jamba mumabrackets a kana, yobva yaenda pane munhu arikutevera mu list
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- Nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita masteps aya zvakanaka, uchaona mu terminal makanzi
Hesi PanasheHesi TanakaHesi KudzaiHesi Vimbai"Kupa" achajambwa ne computer, nekuti wakamuvenga.
Nzira imwe yeku jamba chinhu mu list
Tinoshandisa kana, zvimwe, ne enzaniso

Chii chikuitika apa?🤯
Tsananguro
Apa tashandisa kana na zvimwe, kana usina kunzwisisa kuti kana na zvimwe vanoshanda sei, unokurudzirwa kuverenga topic ya Kana, Zimwe. Unogona kubvunza pa whatsapp mugroup kuti ubatsirwe.
Tikuudza computer kuti ichinge yapinda mu list, kana variable inonzi munhu yakafanana na munhuWandakavenga, hapana zvaunoita. Hatina kuisa code muma curly brackets epana kana zvichireva kuti computer hapana zvainoita kana tikasvika pane munhuWandakavenga.
Asi kana varibale inonzi munhu isina kufanana ne variable inonzi munhuWandakavenga, computer ichashandisa code iri muma brackets {} a zvimwe.
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- Nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita masteps aya zvakanaka, uchaona mu terminal makanzi
Hesi PanasheHesi TanakaHesi KudzaiHesi Vimbai"Kupa" achajambwa ne computer zvekare, nekuti wakamuvenga
Kubuda mulist#
Kana computer ichinge yapinda mu list, inotangira pane chinhu chekutanga kusvika pane chinhu chekupedzisira chiri mu list imomo.
.png)
Unoshandisa buda kubuda mu list. Ngatomboti iwewe ukuda kumhoresa vanhu 3 chete varimukombi yako iya, obva wanyarara hako, nekuti haudi zvekunyanya kutaura taura.
Ngatironge kuti tichaita sei?
- Tichapinda mu
list
- Apa tichashandisa
codeiya yekupinda mulist
- Tichada kuverenga kuti tave pane munhu wechi
3here
- apa tichashandisa
maths, uchazoona zvedzimwe maths kumberi uku
- Kana tave pane munhu wechi
3, tichabvatabudamulist
- apa tichashandisa
buda
Tinonyora code iyi seizvi:

Chii chikuitika apa?
Pa line 2 na line 3
- Tagadzira
variableinonzinhambaYeVanhupaline 2.Variableiyi inhambayatichange tichiwedzera pakuverenga vanhu tapinda mulist.nhambaYeVanhuiyi ichange ichiwedzera na1kana tabva pane munhu wekutanga tichienda pane munhu wechipiri, zvichingodaro. - Tagadzira
variableinonzinhambaYekubudapaline 3, bvatatinhambaiyi ndi 3. Tichada kuzoenzanisavariableiyi nevariableyenhambaYeVanhuichange ichiwedzera kubva pana 0 zvichienda mberi
Pa line 4
- Apa tanyora
codeyekupinda mulistrevanhuMukombi
Pa line 5 na line 6
- Tikuda kuwedzera
nhambaYeVanhuna1kana tave kufamba kubva pane chinhu chimwe ne chimwe mulist. - Patinopinda mu
list, tinotanga tiri pane munhu wekutanga, saka apa tikuudzacomputerkutinhambaYeVanhungaiwedzere na1kubva pana0, saka yave1 - Pa
line 6, tikuudzacomputerkutinyora()zvinhu 3:"Hesi "- aya mashoko anonyora wezvaarimunhu- ivariableyekupinda mulist, saka panonyorwa zita remunhunhambaYeVanhu- ivariableichange ichiwedzera na1sekufamba kwatinenge tichiita kubva panemunhuwekutanga mulisttichienda mberi
Pa line 7 , line 8, na line 9
- Apa tikushandisa
enzanisokuenzanisanhambaYeVanhunanhambaYekubuda, kananhambaYeVanhuyawedzera kusvika pana3inobva yafanana nanhambaYekubuda, saka enzaniso iyi inoitachokwadi. - Kana
enzanisoyaitachokwadi,computerinobva yashandisacodeirimuma brackets{}epakana. codeichashandiswa necomputerkanaenzanisoirichokwadindibuda. Izvi zvinoreva kuti chibuda mulist, chingosiyana nezvasara kumberi
Ita
Mu Application ye ShonaScript
- Nyora
codeiyoyi - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
Nyora code iyoyi mu index.shona, wochiita izvi:
mu
terminal, nyora kuti:node shona.jswobayaentermu
terminal, nyora kuti:node index.jswobayaenter
Ukaita izvi zvakanaka, uchaona mu terminal makanzi:
Hesi Panashe 1Hesi Tanaka 2Hesi Kudzai 3ma nhamba aya ekumberi kwemazita ndiwo nhambaYeVanhu iri kuwedzera kana tapinda mu list. nhamba iyi paichaita 3, computer ichabva yabuda mu list, ndosaka mamwe mazita asina kuzonyora mu terminal, nekuti tanga tatobuda kare mu list