Nyora
Not revised yet
Nyora Chii?#
Nyora i function yaunotuma kuita basa rekunyora zvinhu muterminal. Unozonzwisisa zvema function kana waverenga nezvawo kumberi, asi panguva ino chimbongoziva kuti ma function anoita basa raanenge atumwa.
Mashandisirwo a nyora()#

Chii chikuitika apa?๐คฏ
Nyora anotumwa zvekunyora zvacho zviri muma brackets ().
Tichatarisa line rimwe ne rimwe tichiedza kunzwisisa kuti zvii zvikuitika. Ma line atiri kutaura ndiwo ariku left mu picture iri pamusoro apa
Tsananguro
Line 1
nyora("Hesi")Apa nyora() apihwa mashoko ekunyora, mashoko acho ndi "Hesi". "Hesi" apa anotariswa ne computer semashoko nekuti akaiswa mumaquotes "". Kana computer ichinge yatumwa kunyora mashoko, inongonyora mashoko sezvaari. Saka Ukateedzera ma steps aya wega:
Zvekuita
Mu Application ye ShonaScript
- nyora kuti
nyora("Hesi") - baya bhatani re round riri pazasi pe screen
Kana kuti
Mu VS Code
- mu file rakanzi
index.shona, nyora kutinyora("Hesi") - mu
terminalnyora kutinode shona.js, wobayaenter - mu
terminalzvekare, nyora kutinode index.js, wobayaenter
Ukaita masteps aya zvakanaka, unofana kuona muterminal makanyorwa kuti
HesiKana ukaona izvi, wagona kushandisa nyora()
Tsananguro
Line 2
nyora(2021)Apa nyora apihwa nhamba yekunyora. Nhamba yacho ndi 2021.
.png)
Computer inozviona kuti i nhamba kana iri nhamba chaiyo isina kuiswa muma quotes"". Uchazonzwisisa tsananguro yema quotes ukaramba uchiverenga. Panguva ino dzokorora ma steps 3 ambotaurwa mu box re green pamusoro pana Ita, asi nyora kuti nyora(2021) panzvimbo ya nyora("Hesi").
Unofana kuona mu terminal makanzi:
2021Line 4 na Line 5
zitaRangu = "Panashe"nyora(zitaRangu)Apa tatanga nekugadzira variable. Kana usati waakunzwisisa kuti variable chii, unogona kuverenga nezvawo kumashure kune topic yema variable. Variable yagadzirwa apa ndi zitaRangu, ichibva yanzi ndi "Panashe". Unogona kubvisa pakanzi "Panashe", oisa zita rako riri muma quotes. Usasiye maquotes, nekuti hazvishande.
Izvi zvinoreva kuti tikazotuma computer kunotsvaga variable inonzi zitaRangu, inofana kudzoka na "Panashe". Saka pa line 5, takuudza computer kuti nyora(zitaRangu), ichaona kuti nyora() uye apihwa zvekunyora, asi zvekunyora zvacho hazvisi kuma quotes, saka haasi mashoko. Computer ichatarisa kuti kana asiri mashoko, saka i nhamba here? Kwete.
Saka zvaakureva kuti nyora apihwa variable.
Variable ichatsvagwa kumashure kuti wamboigadzira here. Saka apa, hongu, waigadzira zitaRangu = "Panashe" pa line 4. Ukaita ma steps 3 aye ari mu box rakanzi Ita pamusoro apa, unofana kuona mu terminal makanzi:
PanasheBvisa pakanzi "Panashe" uise zita rako ๐
Line 7
Sekutsanangurwa kwaitwa pana line 4 na line 5, apa nyora() apihwa zvekunyora, asi zvekunyora zvacho i variable. Computer ichatsvaga variable inonzi zitaRake kumusoro kwe code yako, yobva yaishaya. Saka ukada kudzokorora ma steps 3 aye ekumashure uku, uchona kuti pauchanyora mu terminal kuti node shona.js, uchanzi:
Paita problem, `zitaRake` haasi kuzivikanwa paline 7Zvinobvumidzwa muna nyora()#
Saka zvii zvinobvumidzwa muma bracket a nyora().
Zvinobvumidzwa muma brackets
- mashoko
- zvinhu zvese zvaiswa muma quotes chero zvisingareve chinhu zvinotariswa ne
computersemashokosaka zvinongonyorwa zvakadaro
- nhamba
- nhamba inonyorwa iri one. Kuti
nyora(20 21)hazviite nekuti 20 na 21 atove manhambaakasiyana ari 2. Uchazoona pazasi kuti kana uchida kunyora zvinhu zvakawanda uye zvakasiyana siyana muma brackets anyora()unoita sei
- ma
variables
- kana usati waakunzwisisa kuti ma varibles chii, enda kumashure kune topic yema
varableskuti ugonzwisisa
Kupa nyora() zvakawanda#
.png)
Kunyora zvakawanda kwatiri kutaura apa ndiko kutuma nyora() kuti anyore zvakawana panguva imwe chete.
Ngatimboti iwewe ukuda kuti nyora() anyore ma nhamba 2.
Manhamba acho ndi 2021 na 2022, unonyora sei?

Chii chikuitika apa? ๐คฏ
Tsananguro
Kana uchida kuti nyora() anyore zvakawanda, unoisa ma comma, pakati pezvinhu zvacho zvaukuda kuti anyore;
Line 1
nyora(2021,2022)Apa, nyora() apihwa zvinhu 2; nhamba 2021 na nhamba 2022. Pakati pema nhamba aya pane ma comma, zvichireva kuti ukuudza computer kuti 2021 na 2022 ma nhamba akasiyana.
Ukasaisa comma, Ukanyora kuti
nyora(2021 2022)Computer ichatadza kunzwisisa kuti 2021 2022 chii, nekuti haisi nhamba, mashoko, kana variable. Saka ichakuudza kuti paita problem
Line 2 na Line 3
Apa tatanga nekugadzira variable inonzi zitaRangu. Saka paline 5, ukupa nyora() zvinhu 2:
- mashoko ekuti
"Inini ndinonzi " variableinonzizitaRangu. Ukaita ma steps 3 aye ekumashure emuterminal, unoona muterminalmakanzi:
Inini ndinonzi PanasheTumira message kuwhatsapp kana ku facebook kana uchida kubatsirwa.