Box
Ma shapes, ma pictures, nezvimwe zvakawanda zvaunoona pama website zvinenge zviri muma box.
Tichashandisa website ye Econet kuti tione kuti ma box arikutaurwa akaita sei.
Picture iri ku left iri kuratidza website ye Econet semaonero aunoita iwewe kana ukaendapo uchishandisa phone yako.
Picture iri kuright iri kuratidza ma box akashandiswa kugadzira website iyi.
Uchazoziva zvakawanda zvine chekuita nema box aya kana ukaramba uchiverenga.


disclaimer: ShonaScript doesn't own this image; credits: Econet Homepage
Color ye Box#
Zvataona kuti website inogadzirwa nema box, taakuda kuumbawo website yedu ne Dhaga, tobva taisa box rinooneka pa website iyoyo.
box:;chii chikuitika apa?
- Tagadzira box, tobva tavhura box racho na
:, tobva tazorivhara na;. Boxiri harina chinhu, apa tikuda kungoona kuti rakaita sei.- Ukanyora code iyi mu
applicationwobva wabaya bhatani replay, panobuda peji rewhite risina chinhu.
Izvi zvinoitika nekuti box
rawaisa pa peji ye website yako harina color.
Tikuda kuchinja color ye box kuita green kuti rioneke box racho.
Kuchinja color yebox, unoshandisa c- seizvi:
box c-green:;

chii chikuitika apa
- Taumba
box, tobva taudzaDhagakuticoloryeboxiri ngaiitegreen. - Ma
colormamwe aunogona kushandisa ndeanoti:red, green, blue, yellow, purple, black, white, gray. Panozoitawo mamwe ma color anosvika 1486 anoonekwa pa peji rekupedzisira anotanga na# - Ukatarisa ka
boxkedu aka, unoona kuti kakareba uye kakafara zvakangofanana, nemamwe mashoko, tiri kuti kasquare.
.png)
Size ye Box#
Pese paunoumba box ne Dhaga, rinotanga rakareba size 1 uye rakafara size 1.
Ukatarisa pamusoro apa pataisa color ye box, tashandisa c-.
Tikushandisa ma abbreviation kana kuti ma nicknames ezvinhu zve box kuti tisanetsekane pakunyora code yedu.
Munhu anonzi Takudzwa anogona kupihwa nickname yekuti tk, kuti zviite nyore pakudaidza zita iri.
Tichashandisa ma nickname akawanda pakuumba ma website ne Dhaga.
Kana uchida kuchinja kureba kwakaita box, unoshandisa nickname ya kureba kr-. Box rinotanga rakareba kr-1, zvichireva kuti kureba size 1 sezvambotaurwa kumashure.
Kuchinja kufara kwakaita box, unoshandisa kf-, saka box rinotanga rakafara kf-1.
Size yekufara kf- inobva pana 0 kuzvika pana 10.Size yekureba kr- haina magumo, asi unofana kuziva kuti haumboshandise ma nhamba akakurisa zvekusvika kuna ana kr-100.
Unobvumidzwa kushandisa ma nhamba akaita se 1.5. 1,5 haabvumidzwe.
Nemamwe mashoko, tiri kuti one point five anobvumidzwa, asi one comma five haabvumidzwe.
Zvekuita
- chinja
kurebakuita4 - chinja
kufarakuita3 - chinja
colorkuitapurple


Ma Box akawanda#
Taona kuti unoumba box rimwe chete sei pamusoro apa, taakuda kuumba ma box 2 tobva taona kuti anobuda sei.


chii chikuitika apa
boxratagadzira pamusoro apa repurplerichiripo- pazasi tazogadzira rimwe
boxrered - ukagadzira rimwe
boxpazasi, rinongoendawo pazasi perimwebox
Ikozvino tave kuziva kuumba ma box, tochinja color, kureba, ne kufara kwawo. Taakuda kugadzira flag yedu ye Zimbabwe
Flag ye Zimbabwe
- gadzira flag ye Zimbabwe, asi chingogadzira ma line
green,yellow,red,black, uchishandisa mabox. - Usaise triangle ne hungwe


Chii chikuitika apa
- Tagadzira ma
box7 akafarasize 10. Size 10 ndiyo yekupedzisira, ndosaka maboxaya akazara kubva kuleftkwe screen kusvika kurightkwaro. - Handina kunyora kureba
kr-nekuti ndikuda kuti kureba kwacho kuitesize 1- sezvambotaurwa kumashure uku, ukasaisa
kr-, kanakf-, box rako rinenge riinekr-1kanakf-1
- sezvambotaurwa kumashure uku, ukasaisa
Zvinhu mu Box#
Pese patagadzira ma box kumashure tanga tisingaise chinhu mukati imomo.
Taakuda kugadzira box, tobva taisa rimwe box mukati me box iroro.
Zvekuita
- gadzira
boxrine zvinhi izvi:- color yaunoda
kf-3kr-3
- isa
boxmukati me box rawagadzira rine zvinhu izvi:- color yakasiyana
kf-2kf-2
- mu
boxremukati, isamashokoekutidhaga


chii chikuitika apa
- Taumba
boxhombe rine sizekf-3nekr-3nec-green - Taisa
boxdiki mukati meboxrekutanga rec-redBoxiri rinoenda pakati pekureba kwakaita muboxmariri, uye rinenge rakarongwakuleft. Uchazoziva kumberi kuti unorongasei zvakasiyana neizvi.
- Taisa
mashokomukati meboxdiki.- ukangonyora mashoko asinei nekuumba
box, anongoonekwawo semashokoanongobudawo pa website asina zvaari kuumba.
- ukangonyora mashoko asinei nekuumba
Size ye zvinhu mubox
- Size ya zvinhu zviri mu
boxinofana kuita diki panesizeyeboxracho. - Kana uine
boxrakarebakf-3, obva waisaboxmukati rakarebakf-4,boxiri rinopfuurira, izvi zvinokanganisa kurongeka kwewebsiteyako.- Tarisa
pictureiri pazasi apa uone zviri kutsanangurwa apa
- Tarisa


Ma box 2 mukati me box#
Zvekuita
- Umba
boxhombe - Chiisa ma
box2 mukati meboxiri


chii chikuitika apa
- Taumba
boxrihombe rebluerinekf-3nekr-3 - Mu
boxrebluetaisa mabox2. - Ma
boxaya handina kumapasizezvichireva kuti anekf-1nekr-1ese- nekuti ma
boxari mune rimweboxrihombe, anorongwa achibva kuleftachienda kuright
- nekuti ma
Kuronga Zviri mu Box#
Unoshandisa rg- kuronga zvinhu zviri mubox. Ukasashandisa rg-, zvinhu zviri mubox zvinongrongwa zvakawandira ku left.
| Nickname | Zvazvinoreva | Zvinoitika |
|---|---|---|
| rg-c | ronga center | zvese zvinoenda pakati |
| rg-l | ronga left | zvese zvinoenda kuleft |
| rg-r | ronga right | zvese zvinoenda kuright |
| rg-sp | ronga space | zvinhu zviri mubox zvinopanana space yakaenzana |


chii chikuitika apa
- Taumba ma
box4 eblueane mamwe mabox2 eredneyellow. - Taronga zviri mukati macho zvakasiyana siyana tichishandisa
rg-l,rg-c,rg-r, narg-sp
Size ye zviri mu Box#
Box rihombe rakafara size 3, kochii chinoitika kana size yekufara kwakaita ma box emukati iri hombe kudarika mu box maari?


chii chikuitika apa
boxrihombe rinekf-3- ma
boxarimukati anekf-2ese, zvichireva kuti ukasanganisa kufara kwaakaita ese ari two,kfinobva yaita 4, asi 4 muhombe pana 3. - kana izvi zvaitika,
dhagainoedza kuronga zviri mukati me box, kuti chimwe chiende pa musoro, chimwe pazasi, zvingodaro- marongerwo arikuedza kuitwa apa ndeekuti kufara kwema
boxaya kukwane muboxrihombe iro
- marongerwo arikuedza kuitwa apa ndeekuti kufara kwema
Zvataona kuti mabox ari mukati merimwe box anorongwa sei, taakudzokera kunogadzira mamwe ma flag. Tikuda kugadzira 2: ye Nigeria, neye France
Zvekuita
- Gadzira flag ye Nigeria
- Gadzira Flag ye France


chii chikuitika apa
- tanyora kuti Flag ye Nigeria pa
line 1, aya mashoko saka anongobuda akadaro pawebsite - Taumba
boxre white rinekf-9, tobva taisa mabox3 mukati anekf-3rimwe ne rimwe. Tikasanganisa 3+3+3 tinowana 9, saka maboxaya ari 3, anobva angokwana achizadzaboxraari - kureba kwema
boxemukati tangoitawo kuti kufanane neboxraari
Kona ye Box#
Unokwanisa kubvisa makona e box kuti aite round uchishandisa kn-. Size yacho ya kn- inobva ku 0 kusvika ku 10. Kana uine box re square, kn-10 anoita kuti box re square riite circle


chii chikuitika apa
- Taumba ma
boxanesizeyakafanana nemacolorakasiyana - Tabvisa ma
konanakn-tichishandisa masizeakasiyana siyanaboxrekupedzisira rabva ratoitacirclenekuti tabvisa makonaese nesizeyekupedzisira10
Kubvisa ma kona ndizvo zvimwe zvandofarira kuita kana ndichigadzira ma website.
Mumvuri we box#
Ma website akawanda enguva ino anenge aine ma box nema bhatani ane mumvuri(shadow) anoita kunge akasimudzwa. Izvi zvinoita kuti website yako ibude zvakanaka ichiitawo kunge yakagadzirwa nguva ino, pane kuti iite kunge yakagadzirwa internet ichangotanga.
Unoshandisa mv- kuisa mumvuri pabox. Size yemumvuri we box inotanga pa 0 kusvika pa 10.


chii chikuitika apa
- taumba
boxrinesize 4, rewhite - taisa mumvuri we
size 6pa box iri- zvinogona kusanyatsooneka zvakanaka pa
pictureiyi, asi ekatarisisa kumiganhu yeboxiri unoonacolorinengegray, ndiwo mumvuri wacho
- zvinogona kusanyatsooneka zvakanaka pa
Muganhu we box#
Unogona kuisa muganhu pa box wobva wachinja color yacho yemuganhu uchiedza kuda kuti box rako ribudewo zvakanaka.
Kuisa muganhu unoshandisa mg-sz-, zvichireva kuti muganhu size.
Size yemuganhu inobva pa 0 kusvika pa 10.
Box rinotanga risina muganhu, zvireva kuti rinotanga riine mg-sz-0.
Kana uchida kuchinja color yemuganhu, unoshandisa mg-c-, zvichireva kuti muganhu color


chii chikuitika apa
- Taumba ma
box3 ane zvakasiyana siyana - Taisa miganhu pama
boxaya ine masizeakasiyana uye macolorakasiyana.
Tenderedza Box#
Unogona kutenderedza box kuti riite kakurereka zvichienderaka nezvaukuda kuona pa website yako. Unotenderedza box uchishandisa tn-.


chii chikuitika apa
- Taumba
box - Tatenderedza box iri ne
angleyesize1Zvekutenderedza ma box hazvisi zvinhu zvine basa rakanyanya, asi uchazoona kumberi kuti unogona kushandisa sei uchigadzira website yako
Viga Box#
Unongona kuviga box kana uchishandisa v-. v-hongu anoita kuti box risaoneke nezvese zvinenge zviri mukati. v-kwete anoita kuti box rioneke.
Izvi zvichazoita basa kana tave kushandisa ShonaScript ne Dhaga pamwe chete