Mashoko
Musoro we nyaya#
Zvinhu zvese zvinobuda zvakanyorwa pa website yako, ndizvo zvinenge zvatariswa semashoko ne dhaga.
Unogona kutongoisa mashoko pawebsite yako uchitongonyora zvaukuda kunyora zvacho zvisiri mubox sezvatakaita pama flag eNigeria ne France kumashure
Kazhinji kana pachinyorwa nyaya, panowanzoiswa mashoko mahombe anenge ari emusoro we nyaya (heading), nyaya yacho yozonyorwa nemashoko madiki.
Kana uchida kuisa musoro we nyaya pa website yako, unoshandisa mn. Size yemusoro wenyaya inobva pana 1 kusvika pana 6. Ma size aya anobva ku 1 achienda ku 6 achiita madiki, saka mn1 muhombe kudarika mn6.


chii chikuitika apa
- Taisa misoro yenyaya
mnyakasiyana ma size akasiyana kubva ku 1 kusvika ku 6mn1muhombe kupfuuramn6sezviri kuoneka
Unogona kuchinja color yemashoko ari mu mn uchishandisa ms-c- zvichireva kuti mashoko color.
Zvekuita
- Nyora zita rako mu
mn1 - Chinja
colorkuita chero imwecolorkunze kwe black - Ita kuti Zita rako riende pakati


chii chikuitika apa
Ndaisa
mn1anecolorye#008080nams-c-#008080, ndobva ndaronga mashoko kuti aenda pakati narg-c- ma
coloraya ari kumashure kwekupedzisira kwe book, sarudzawo yaunofarira ikoko
- ma
Pandaisa
mnchete pa website, abva aenda pamusoro soro pascreenasi inini ndanga ndichida kuti ati dzikei zvishoma, saka ndazoisaboxrisina chinhu pamusoro kutimnadzike pasi
Mashoko mu box#
Takamboona kumashure kuti kana uchida kungonyora mashoko anobuda pa website, unotongonyora mu code yako zvakangodaro. Ukangonyora mashoko ari pachena, asiri mubox, hauzokwanise kuchinja zvinhu zvakaita se color, size, kana ukobvu hwe mashoko aya.
Saka kuti ugone kuzochinja mamiriro e mashoko ako, unofana kumaisa mu box. Kana waisa mashoko mubox, unokwanisa kuchinja izvi:
| Nickname | Zvazvinoreva | Muenzaniso |
|---|---|---|
| ms-c | color ye mashoko | ms-c-red anochinja mashoko kuita red |
| ms-sz | size ye mashoko | ms-sz-2 anochinja size yemashoko kuita 2. Masize aya anobva ku 1 kusvika ku 10 |
| ms -uk | ukobvu hwemashoko | ms-uk-3 anochinja ukobvu hwemashoko kuita size 3. Masize aya anobva ku 1 kusvika ku 4 |


chii chikuitika apa
- Taumba ma
box4 ane macoloratatora kubva kwekupedzisira kwe bhuku - Tachinja ukobvu hwemashoko aya tichishandisa
ms-uk
Zvekuita 1
- chinja
sizeyemashoko ari muboxuchishandisams-sz-sokutims-sz-3uone zvinoitika. - Chinja ma
sizeaya kusvika ku 10 kana uchida kuona ese