Icon
Ma icon anoshandiswa muma bhatani kuti mabhatani aya aonekerewo zvakanaka kana kuti panzvimbo yekunyora mukati me bhatani, wobva wangoisa icon kuti bhatani rako riite ridiki
Ukatarisa mu application ye ShonaScript, pane bhatani raunobaya kana wapedza kunyora code, rine icon re play kureva kuti Dhaga kana ShonaScript ngaichitanga kushandisa code yako.
Taigona kubvisa icon iyi, tobva tanyora mukati mebhatani iri kuti chitanga seizvi:

Ndabvisa icon pa bhatani repa application ye ShonaScript ndikabva ndaisa mashoko kuti ungoone zvinoitika.
Bhatani rinobva ratora nzvimbo yakawanda, saka kana uine mabhatani akawanda, anogona kutadza kukwana paunenge uchimaisa, saka ndopanozodawo ma icon.
Kana uchiumba icon, unoshandisa ic-. Maumbirwo e icon akasiyana ne box kana bhatani. Icon inopihwa zvinhu 3: nhamba, color, ne size. Unonyora seizvi:
ic-2-red-2Apa unenge uchitora icon iripanhamba 2 kubva pa 286 ma icons ari pazasi apa, woipa color ye red, woipa size ye 2.
Zvekuita
- Tarisa nhamba ye
iconyakafanana neiri mu application yeshonascript pazasi apa - Umba
bhataniine color ye#008080, oisaiconiyoyo oipacoloryewhite. - Chibvisa makona
bhatanirifanane neriri mu application ye ShonaScript


chii chikuitika apa
- Tagadzira
bhatanirakakurakr-2, rakafarakf-2, tobva tabvisamakonanesize yekupedzisira kutibhataniiri riitecircle. - Tazogadzira rimwe
bhatanipazasi rakafanana neraunoshandisa kudzokera kunonyoracode.
Unogona kuisa icon pamwe chete nemashoko mubhatani


Sezvambotsanangurwa kumashure, mabhatani ako haana zvaanoshanda panguva ino nekuti hauna kunyora code yeShonaScript inoita kuti ashande.
Izvi uchazozviona kumberi kune topic yacho ye ShonaScript ne Dhaga.