Bhatani
Mabhatani anoshandiswa kana uchida kuti chimwe chinhu chiitike mushure mekunge munhu abaya pa website yako.
Mabhatani anowanikwa pama website akawanda uye muma application anoshanda muphone yako.
Unoisa mabhatani uchishandisa bt seizvi:
bt:;Uchazoziva zvakawanda zvinonakidza zvema bhatani kana tave kushandisa ShonaScript mu Dhaga.ShonaScript ndiyo ichange yaakuita kuti zvinhu zvichinje mushure mekunge munhu abaya bhatani pa website yako.
Hapana musiyano wakanyanya pakati pe box ne bhatani, asi chine basa ndechekuziva kuti box rinoisirwa zvinhu zvese asi bhatani rinoiswa mashoko kana icon.
Uchazoona kuti ma icon chii pa topic yema icon.
Zvese zvaunokwanisa kuchinja pamamiriro e box unokwanisa kuchinjawo pama miriro e bhatani.


chii chikuitika apa
- Taumba
bhatanitichishandisabt- tachinja
color ye bhatani,color yemashoko,makona,kufara, nekurebakwakaita sekuchinja kwatinongoita pabox
- tachinja
Bhatanirako iri ukaribaya hapana zvinoitika nekuti harishande kana pasina code ye ShonaScript. Uchazoona kumberi kuti tinoshandisaShonaScriptmuDhagasei
Mazuva ano mamwe mabhatani aunoona pama website kana pamaapplication anenge aine ma icon , asina kunyorwa chinhu mukati.
Application ye ShonaScript ine mabhatani aunoshandisa aye kana wapedza kunyora code, kana kuti waakudzokera kunonyora code.
Ukamatarisa ma bhatani aya, ane ma icon asi haana kunyorwa chinhu mukati.
Tichaedza kumagadzira ma bhatani aya pane topic iri kutevera